Nhamo yacho ndinoiziva yakaoma sedombo.
Nherera kudzungaira pakati pedondo.
Nhema handirevi ndakakuriramo.
Nherera inoshanda inofirapo.
Inotsvaga Mwari inokwira makomo ayeye.
Makati ziso renyu riri patiri baba.
Zvatinobata zvese ndimi munopa.
Mugoticherechedza zvatisina misha.
Zuva zvorobuda mugotivhumbamirawo.
Tiri kuchema tambanudza ruoko.
Emmanuel tambanudza ruoko.
Tiri kuchema tambanudza ruoko.
Nherera vabereki vakatisiya.
Takatarisa mwana wamai Maria.
Takaguta pafa Mai zuva riya.
Toda kucheukwa patinobuda ziya.
Zvinondibaya ndoimba ow wooh.
Tiri kuchema tambanudza ruoko.
Emmanuel tambanudza ruoko.
Tiri kuchema tambanudza ruoko.
Zuva ratobuda tiri vapenyu.
Vangakusema ingozvitora sedrama.
Emmanuel cheuka vana vako.
Tambanudza ruoko takatarira iwe.
Emmanuel cheuka vana vako.
Tambanudza ruoko takatarira iwe.
Emmanuel cheuka vana vako.
Tambanudza ruoko takatarira iwe.